Jeremiah 7:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino, ɀamakaita maɓasa awa ose — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ini ndikataura nemi, ndicifumira maŋgwanani ndicitaura, imi mukasanzwa, ndikakuɗanai, mukasapindura;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pamakanga muchiita zvinhu zvose izvi, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndakataura nemi ndataurazve asi hamuna kuteerera; ndakakudanai asi hamuna kupindura.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvanzi naTenzi zvino pamusana pezvose zvamakaita izvi, pandakaramba ndichingotaura kwamuri, imi makarega kuteerera. Pandakakushevedzai hamuna kudaira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino, zvamakaita mabasa awa ose ndizvo zvinotaura Jehovha ini ndikataura nemi, ndichifumira mangwanani ndichitaura, imi mukasanzwa, ndikakudanai, mukasapindura.
Shona 2009?
Zvino, zvamakaita mabasa awa ose ndizvo zvinotaura Jehovha ini ndikataura nemi, ndichifumira mangwanani ndichitaura, imwi mukasanzwa, ndikakudanai, mukasapindura.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino, zvamakaita mabasa awa ose ndizvo zvinotaura Jehovha ini ndikataura nemi, ndichifumira mangwanani ndichitaura, imi mukasanzwa, ndikakudanai, mukasapindura.