Jeremiah 7:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
asi ndakaʋaraira cinhu ici, ndiciti: Tererai inzwi raŋgu, ndigoʋa Mŋari wenyu, nemi mucaʋa ʋanhu ʋaŋgu; mufambe nenzira yose yandicakurairai, mugoʋa nomufaro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
asi ndakavapa murayiro uyu wokuti nditeererei, uye ndichava Mwari wenyu nemi muchava vanhu vangu. Mufambe munzira dzose dzandakakurayirai, kuti zvigova zvakanaka kwamuri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi chandakavapa somutemo ndechichi chokuti, “Teererai zvandinoreva ini ndichava Mwari wenyu imi muchava vanhu vangu mufambe nenzira dzandakareva kuti zvikunakirei.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
asi ndakavaraira chinhu ichi, ndichiti, ‘Tererai inzwi rangu, ndigova Mwari wenyu, nemi muchaba vanhu vangu; mufambe nenzira yose yandichakurairai, mugova nomufaro.’
Shona 2009?
asi ndakavaraira chinhu ichi, ndichiti, `teererai inzwi rangu, ndigova Mwari wenyu, nemwi muchaba vanhu vangu; mufambe nenzira yose yandichakurairai, mugova nomufaro.'
Shona SUB 2002 Bible
asi ndakavaraira chinhu ichi, ndichiti, ‘Teererai izwi rangu, ndigova Mwari wenyu, nemi muchava vanhu vangu; mufambe nenzira yose yandichakurairai, mugova nomufaro.’