Jeremiah 7:27 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino iwe unofanira kuʋataurira mashoko awa ose; asi haʋaŋgakutereri; unofanira kuɗana ʋo kwaʋari, asi haʋaŋgakupinduri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Pauchavataurira zvose izvi, havasi kuzokuteerera; pauchavadana, havasi kuzokupindura.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ipapo uchataura zvako mazwi ose iwaya kwavari asi havambokuteerera. Uchavashevedza zvako asi havambokudavira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino iwe unofanira kuvataurira mashoko awa ose; asi havangakutereri; unofanira kudanawo kwavari, asi havangakupinduri.
Shona 2009?
"Zvino iwe unofanira kuvataurira mashoko awa ose; asi havangakuteereri; unofanira kudanawo kwavari, asi havangakupinduri.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino iwe unofanira kuvataurira mashoko awa ose; asi havangakutereri; unofanira kudanawo kwavari, asi havangakupinduri.