Jeremiah 7:28 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino iwe uti kwaʋari: Urwu ndirwo rudzi rusiŋganzwi shoko raJehova Mŋari waʋo, kana kutenda kuraŋgwa; kutendeka kwapera, kwabva cose pamiromo yaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo iwe uti kwavari, ‘Urwu ndirwo rudzi rusina kuteerera Jehovha Mwari warwo kana kubvuma kurayirwa. Chokwadi chakaparara, hachisisipo pamiromo yavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi unofanira kuvataurira kuti, rudzi urwu, rudzi rwavanhu vasingateereri zvinotaura Tenzi, Mwari warwo, rudzi rwavanhu vasingadzoreke. Mavari, chokwadi chakapera, pamuromo pavo hapachambobuda chokwadi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino iwe uti kwavati, ‘Urwu ndirwo rudzi rusinganzwi shoko raJehovha Mwari wavo, kana kutenda kurangwa; kutendeka kwapera, kwabva chose pamiromo yavo.’
Shona 2009?
Zvino iwe uti kwavari, `Urwu ndirwo rudzi rusinganzwi shoko raJehovha Mwari wavo, kana kutenda kurangwa; kutendeka kwapera, kwabva chose pamiromo yavo.'
Shona SUB 2002 Bible
Zvino iwe uti kwavati, ‘Urwu ndirwo rudzi rusinganzwi shoko raJehovha Mwari wavo, kana kutenda kurangwa; kutendeka kwapera, kwabva chose pamiromo yavo.’