Jeremiah 7:31 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakaʋaka nɀimbo dzakakwirira dzeTofeti, dziri mumupata womŋanakomana waHinomi, kuti ʋapise ʋanakomana naʋanasikana ʋaʋo mumŋoto, ɀiri ɀinhu ɀandisina‐kuʋaraira, kana kufuŋga mumŋoyo maŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakavaka nzvimbo dzakakwirira dzeTofeti muMupata waBheni Hinomi kuti vapise vanakomana navasikana vavo mumoto, chinhu chandisina kuvarayira, chisina kumbopinda mupfungwa dzangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakavakawo nzvimbo yakatunhumara yokuteurira kuBisiro nzvimbo iri mubani roMwanakomana wokwaHinomu pokupisira sechibayiro vanakomana vavo navanasikana vavo mumoto. Izvozvo zvinhu zvandisina kumbotema ini uye hazvina kana kumbouya mupfungwa dzangu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakavaka nzvimbo dzakakwirira dzeTofeti, dziri mumupata womwanakomana waHinomi, kuti vapise vanakomana navanasikana vavo mumoto, zviri zvinhu zvandisina kuvaraira, kana kufunga mumwoyo mangu.
Shona 2009?
Vakavaka nzvimbo dzakakwirira dzeTofeti, dziri mumupata womwanakomana waHinomi, kuti vapise vanakomana navanasikana vavo mumoto, zviri zvinhu zvandisina kuvaraira, kana kufunga mumoyo mangu.
Shona SUB 2002 Bible
Vakavaka nzvimbo dzakakwirira dzeTofeti, dziri mumupata womwanakomana waHinomu, kuti vapise vanakomana navanasikana vavo mumoto, zviri zvinhu zvandisina kuvaraira, kana kufunga mumwoyo mangu.