Jeremiah 7:34 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ndicagumisa pamaguta aJuda napanzira dzomuJerusarema inzwi rokuseka, nenzwi romufaro, nenzwi recikomba nenzwi romŋeŋga; nokuti nyika icaʋa ɗoŋgo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichaita kuti inzwi rokupembera nomufaro uye namanzwi avamwenga nechikomba mumaguta eJudha nomumigwagwa yeJerusarema zvigume nokuti nyika ichava dongo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndichagumisa mumaguta okwaJudha nomumigwagwa yeJerusaremu chikwe-e chokuseka kana mheremhere yokufara nokupemberera mwenga kana kufarira murume wacho pamusana pokuti nyika ichasara isisina chinhu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo ndichagumisa pamaguta aJudha napanzira dzomuJerusaremu inzwi rokuseka, nenzwi romufaro, nenzwi rechikomba nenzwi romufaro, nenzwi rechikomba nenzwi romwenga; nokuti nyika ichava dongo.
Shona 2009?
Ipapo ndichagumisa pamaguta aJudha napanzira dzomuJerusaremu inzwi rokuseka, nenzwi romufaro, nenzwi rechikomba nenzwi romufaro, nenzwi rechikomba nenzwi romwenga; nokuti nyika ichava dongo.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo ndichagumisa pamaguta aJudha napanzira dzomuJerusaremu izwi rokuseka, nenzwi romufaro, nenzwi rechikomba nenzwi romwenga; nokuti nyika ichava dongo.