Jeremiah 7:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti kana mukaruramisa kwaɀo nzira dzenyu neɀamunoita, kana muciita ɀakarurama munhu mumŋe nomumŋe kunowokwake;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana mukashandura chaizvoizvo nzira dzenyu namaitiro enyu mukaitirana zvakarurama,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Chiripo ndechokuti kana mukanyatsogadziridza nzira dzenyu namaitiro enyu, muchinyatsoitirana zvinhu zvine ruenzaniso
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nokuti kana mukaruramisa kwazvo nzira dzenyu nezvamunita, kana muchiita zvakarurama munhu mumwe nomumwe kunowokwake.
Shona 2009?
"Nokuti kana mukaruramisa kwazvo nzira dzenyu nezvamunoita, kana muchiita zvakarurama munhu mumwe nomumwe kunowokwake.
Shona SUB 2002 Bible
“Nokuti kana mukaruramisa kwazvo nzira dzenyu nezvamunoita, kana muchiita zvakarurama munhu mumwe nomumwe kuno wokwake.