Jeremiah 8:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ndicapa ʋamŋe ʋakadzi ʋaʋo, neminda yaʋo ndicaipa ʋamŋe ʋacaiita yaʋo; nokuti mumŋe nomumŋe waʋo, kubva kuʋaɗuku kuȿikira kuʋakuru, mumŋe nomumŋe unokarira fuma; kubva kuʋaprofita kuȿikira kuʋaprista mumŋe nomumŋe unoita nokunyeŋgera.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo ndichapa vakadzi vavo kuna vamwe varume, neminda yavo kuvaridzi vatsva. Kubva kumuduku kusvikira kumukuru vose vanokarira pfuma; vaprofita navaprista saizvozvo, vose vanoita nokunyengera.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo vakadzi vavo ndichavapa kuna vamwe; minda yavo ndichipa kune vamwe vokuva varidzi vayo, nokuti kubvira kumudiki kusvikira kumukuru chaiye munhu wose ane makaro okuwana zvinhu nenzira isina kururama. Kubvira kumuporofita kusvikira kumupristi munhu wose ari kungoita zvounyengedzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo ndichapa vamwe vakadzi vavo, neminda yavo ndichaipa vamwe vachaiita yavo; nokuti mumwe nomumwe wavo, kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru, mumwe nomumwe unokarira pfuma; kubva kuvaporofita kusvikira kuvapristi mumwe nomumwe unoita nokunyengera.
Shona 2009?
Naizvozvo ndichapa vamwe vakadzi vavo, neminda yavo ndichaipa vamwe vachaiita yavo; nokuti mumwe nomumwe wavo, kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru, mumwe nomumwe unokarira fuma; kubva kuvaporofita kusvikira kuvaprista mumwe nomumwe unoita nokunyengera.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo ndichapa vamwe vakadzi vavo, neminda yavo ndichaipa vamwe vachaiita yavo; nokuti mumwe nomumwe wavo, kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru, mumwe nomumwe unokarira pfuma; kubva kuvaporofita kusvikira kuvapristi mumwe nomumwe unoita nokunyengera.