Jeremiah 8:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kufemhedza kwamabiza ake kwakanzwika aciri paDani; nyika yose yakaɗeɗera nenzwi rokurira kwaanesimba ake; nokuti aȿika, apedza nyika neɀose ɀiri’mo, neguta naʋose ʋagere’mo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kufemedzeka kwamabhiza omuvengi kunonzwika kuchibva kuDhani; panorira makono awo nyika yose inodedera. Auya kuzoparadza nyika nezvose zviri mairi, guta navose vanogara imomo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kufemuruka kwamabhiza avo, kunonzwika nokwaDhani. Pamusana poruzha rwokuhwihwidza kwamabhiza avo makono, nyika yose inondengandenga. Vanouya vachisvikoparadza nyika ino nezvose zvizere mairi, guta navanhu vageremo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kufemhedza kwamabhiza ake kwakanzwika achiri paDhani; nyika yose yakadedera nenzwi rokurira kwaane simba ake; nokuti asvika, apedza nyika nezvose zvirimo, neguta navose vageremo.
Shona 2009?
Kufembedza kwamabhiza ake kwakanzwika achiri paDhani; nyika yose yakadedera nenzwi rokurira kwaane simba ake; nokuti asvika, apedza nyika nezvose zvirimo, neguta navose vageremo.
Shona SUB 2002 Bible
Kufemhedza kwamabhiza ake kwakanzwika achiri paDhani; nyika yose yakadedera nenzwi rokurira kwaane simba rake; nokuti asvika, apedza nyika nezvose zvirimo, neguta navose vageremo.