Jeremiah 8:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Inzwai, inzwi rokucema kwomukunda waʋanhu ʋaŋgu, rinobva kunyika iri kure‐kure, riciti: Ko Jehova haazi muZioni here? Mambo waro haazi mukati maro here? Ʋakanditsamŋisireiko neɀifananidzo ɀaʋo ɀakaʋezwa, neɀaʋatorwa ɀisinamaturo?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Inzwai kuchema kwavanhu vangu kunobva kunyika iri kure kure: “Ko, Jehovha haazi muZioni here? Mambo waro haachimo here?” “Vakanditsamwisireiko nezvifananidzo zvavo, nezvifananidzo zvavo zvavatorwa zvisingabatsiri?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Inzwai kuchema kwemwanasikana wangu, kuchema kwavanhu vangu; kuchibva kose kose munyika ino vachiti, “Ko Tenzi haasi muguta reZioni here? Mambo weZioni haasisimo here muguta imomu? Vakandishatirisirei nezvifananidzo zvavo zvokunamata zvemabwe zvakavezwa nezvimwe zvifananidzo zvokunamata zvevechirudzi zvisina maturo?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Inzwai, inzwi rokuchema kwomukunda wavanhu vangu, rinobva kunyika iri kure-kure, richiti, “Ko Jehovha haazi muZioni here? Mambo waro haazi mukati maro here? Vakanditsamwisireiko nezvifananidzo zvavo zvakavezwa, nezvavatorwa zvisina maturo?”
Shona 2009?
Inzwai, inzwi rokuchema komukunda wavanhu vangu, rinobva kunyika iri kure-kure, richiti, "Ko Jehovha haazi muZiyoni here? Mambo waro haazi mukati maro here? Vakanditsamwisireiko nezvifananidzo zvavo zvakavezwa, nezvavatorwa zvisina maturo?"
Shona SUB 2002 Bible
Inzwai, izwi rokuchema kwomukunda wavanhu vangu, rinobva kunyika iri kure–kure, richiti, “Ko Jehovha haazi muZioni here? Mambo waro haazi mukati maro here? Vakanditsamwisireiko nezvifananidzo zvavo zvakavezwa, nezvavatorwa zvisina maturo?”