Jeremiah 8:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ko hakunomuti webarsami muGireadi here? Hakuneŋaŋga’ko here? Nokuti mukunda waʋanhu ʋaŋgu wakagoregerei kupodzwa?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ko, muGireadhi hamuna muti webharisamu here? Hakuna murapi ikoko here? Seiko zvino ronda ravanhu vangu risina kurapwa?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ko imo muGireadhi hamunawo pfuta here? Hamuna here murapi imomo? Zvino seiko urwere, hwavanhu vangu ava husina kurapwa?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ko hakuna muti webharisami muGireadhi here? Hakune n'anga ko here? Nokuti mukunda wavanhu vangu wakagoregerei kupodzwa?
Shona 2009?
Ko hakuna muti webharisami muGiriyadhi here? Hakune n'anga ko here? Nokuti mukunda wavanhu vangu wakagoregerei kupodzwa?
Shona SUB 2002 Bible
Ko hakuna muti webharisami muGiriadhi here? Hakuna murapi ikoko here? Nokuti mukunda wavanhu vangu wakagoregerei kupodzwa?