Jeremiah 8:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndakaterera, ndikanzwa, asi haʋana‐kutaura ɀakarurama; hakunomunhu unocema kuipa kwake, aciti: Ndaiteiko? Mumŋe nomumŋe unotsauka nenzira yake, sebiza rinomhanya kwaɀo pakurwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakanyatsoteereresa, asi ivo havambotauri zvakarurama. Hakuna anotendeuka pane zvakaipa zvake achiti, “Ndaiteiko?” Mumwe nomumwe anongoteedza nzira yake sebhiza rinomhanyira kurwa hondo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakarerekera nzeve ndichiteerera, asi hapana chakanaka chakabuda mumuromo mavo. Hakuna anopfidza uipi hwake achidemba achiti, ‘Ndicho chii ichochi chandakaita.’ Munhu wose yangova njakenjake sezvinongoita bhiza kumhanya kwazvo richipinda muhondo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndakaterera, ndikanwa, asi havana kutaura zvakarurama; hakuna munhu unochema kuipa kwake, achiti, ‘Ndaiteiko?’ Mumwe nomumwe unotsauka nenzira yake, sebhiza rinomhanya kwazvo pakurwa.
Shona 2009?
Ndakateerera, ndikanzwa, asi havana kutaura zvakarurama; hakuna munhu unochema kuipa kwake, achiti, `Ndaiteiko?' Mumwe nomumwe unotsauka nenzira yake, sebhiza rinomhanya kwazvo pakurwa.
Shona SUB 2002 Bible
Ndakateerera, ndikanwa, asi havana kutaura zvakarurama; hakuna munhu unochema kuipa kwake, achiti, ‘Ndaiteiko?’ Mumwe nomumwe unotsauka nenzira yake, sebhiza rinomhanya kwazvo pakurwa.