Jeremiah 8:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀirokwaɀo, ɀimudo, riri kuɗeŋga, rinoziʋa ŋguʋa dzaro dzakatarwa, nenjiʋa nenyeŋganyeŋga nekondo dzinoraŋgarira ŋguʋa yokuʋuya kwadzo, asi ʋanhu ʋaŋgu haʋaziʋi murairo waJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange shohori riri mudenga rinoziva nguva dzaro dzakatarwa, uye njiva, nenyenganyenga nekondo zvinocherechedza nguva yazvo yokutama. Asi vanhu vangu havazivi zvinodikanwa naJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Inga wani kunyange shuramurove zvaro mudenga umu, rinoziva nguva yaro uye njiva kana mherepere kunyange nhapata dzinochengetedza nguva yadzo yokuuya wani. Asi vanhu vangu havamboziva zvavo murao waTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvirokwazvo, zvimudo, riri kudenga, rinoziva nguva dzaro dzakatarwa, nenjiva nenyenganyenga nekondo dzinorangarira nguva yokuuya kwadzo, asi vanhu vangu havazivi murayiro waJehovha.
Shona 2009?
Zvirokwazvo, zimudo, riri kudenga, rinoziva nguva dzaro dzakatarwa, nenjiva nenyenganyenga nekondo dzinorangarira nguva yokuuya kwadzo, asi vanhu vangu havazivi murayiro waJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Zvirokwazvo, zvimudo, riri kudenga, rinoziva nguva dzaro dzakatarwa, nenjiva nenyenganyenga nekondo dzinorangarira nguva yokuuya kwadzo, asi vanhu vangu havazivi murairo waJehovha.