Jeremiah 9:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Haiwa, ɗai musoro waŋgu waiʋa ne mvura zhinji, nameso aŋgu riri tsime remisodzi, ndiŋgaɗai ndaicema masikati noʋusiku nokuɗa kwaʋakaʋurawa ʋomukunda waʋanhu ʋaŋgu!
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Haiwa, dai musoro wangu waiva chitubu chemvura uye meso angu riri tsime remisodzi! Ndingadai ndaichema masikati nousiku nokuda kwavakaurayiwa vavanhu vangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dai zvazvo musoro wangu uchingova mvura chete, uye maziso angu ari chisipiti chemisodzi, ndingadai ndichisvimha misodzi siku nesikati kuchema vanenge vaurayiwa, ivo vanhu vangu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Haiwa, dai musoro wangu waiva nemvura zhinji, nameso angu riri tsime remisodzi, ndingadai ndaichema masikati nohusiku nokuda kwavakaurawa vomukunda wavanhu vangu!
Shona 2009?
Haiwa, dai musoro wangu waiva nemvura zhinji, nameso angu riri tsime remisodzi, ndingadai ndaichema masikati novusiku nokuda kwavakaurawa vomukunda wavanhu vangu!
Shona SUB 2002 Bible
Haiwa, dai musoro wangu waiva nemvura zhinji, nameso angu riri tsime remisodzi, ndingadai ndaichema masikati nousiku nokuda kwavakaurayiwa vomukunda wavanhu vangu!