Jeremiah 9:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndicacema nokuwuŋgudza pamsoro pamakomo, ndicacema pamsoro pamafuro amarenje, nokuti ɀatȿa, hakuna‐unopfuʋura napo; ʋanhu haʋagoni kunzwa inzwi reɀipfuwo; shiri dzokuɗeŋga nemhuka dzose ɀatiza, ɀaenda haɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichachema nokuungudza nokuda kwamakomo, uye ndichachema pamusoro pamafuro egwenga. Aparara uye hakuna anofambako, uye kukuma kwemombe hakunzwiki. Shiri dzedenga dzatiza, uye mhuka dzaenda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ndava kusvimha misodzi ndichiridzira mhere mumakomo ndichichema mafuro okurenje nokuti aparadzwa zvokuti hakuna kana achadimura neko uye kukuma kwomombe hakuchambonzwika ikoko, zvose zvazvo zvinoti shiri dzedenga nemhuka zvati ware kutiza, zvaenda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ndichachema nokuwungudza pamusoro pamakomo, ndichachema pamusoro pamafuro amarenje, nokuti zvatsva, hakuna unopfuura napo; vanhu havagoni kunzwa inzwi rezvipfuo; shiri dzokudenga nemhuka dzose zvatiza, zvaenda hazvo.
Shona 2009?
"Ndichachema nokuwungudza pamusoro pamakomo, ndichachema pamusoro pamafuro amarenje, nokuti zvatsva, hakuna unopfuura napo; vanhu havagoni kunzwa inzwi rezvipfuwo; shiri dzokudenga nemhuka dzose zvatiza, zvaenda hazvo.
Shona SUB 2002 Bible
“Ndichachema nokuwungudza pamusoro pamakomo, ndichachema pamusoro pamafuro amarenje, nokuti zvatsva, hakuna unopfuura napo; vanhu havagoni kunzwa izwi rezvipfuo; shiri dzokudenga nemhuka dzose zvatiza, zvaenda hazvo.