Jeremiah 9:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Munhu wakacenjera, unonzwisisa iɀoɀi, ndianiko? Muromo waJehova wakataura naniko, kuti aparidze iɀoɀi? Nyika yakapedzwa nokupiswa serenje neiko, pasina‐unopfuʋura napo?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndoupiko munhu akachenjera zvokuti anganzwisisa izvi? Ndianiko akarayirwa naJehovha uye angatsanangura izvi? Nemhaka yeiko nyika yanyangadzwa yava dongo ikafanana negwenga risina angapfuura nomo?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ndiani ano ungwaru hwokuti agone kunzwisisa izvozvi izvi? Ndiani chaizvo akataurirwa nomuromo naTenzi kuti azvizivise kuvanhu? Nyika yaparadzwa nei kudai kubva yarozvwa kusara yava serenje zvokusawana kana nomumwe anopfuura nemo?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Munhu wakachenjera, unonzwisisa izvozvi, ndianiko? Muromo waJehovha wakataura naniko, kuti aparidze izvozvi? Nyika yakapedzwa nokupiswa serenje neiko, pasina unopfuura napo?
Shona 2009?
Munhu wakachenjera, unonzwisisa izvozvi, ndianiko? Muromo waJehovha wakataura naniko, kuti aparidze izvozvi? Nyika yakapedzwa nokupiswa serenje neiko, pasina unopfuura napo?
Shona SUB 2002 Bible
Munhu wakachenjera, unonzwisisa izvozvi, ndianiko? Muromo waJehovha akataura naniko, kuti aparidze izvozvi? Nyika yakapedzwa nokupiswa serenje neiko, pasina unopfuura napo?