Jeremiah 9:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
asi ʋakateʋera ʋukukutu bgemŋoyo yaʋo naʋaBaari, iɀo ɀaʋakadzidziswa namadziɓaɓa aʋo;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi, vakatevera kusindimara kwemwoyo yavo; vakatevera vanaBhaari, sezvavakadzidziswa namadzibaba avo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi vakaita musikanzwa vachitevera zvomusoro wavo. Vakatevedza vanaBhaari sokudzidziswa kwavakaitwa namadzibaba avo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
asi vakatevera hukukutu hwemwoyo yavo navaBhaari, izvo zvavakadzidziswa namadzibaba avo;
Shona 2009?
asi vakatevera hukukutu bwemoyo yavo navaBhaari, izvo zvavakadzidziswa namadzibaba avo;
Shona SUB 2002 Bible
asi vakatevera hukukutu hwemwoyo yavo navaBhaari, izvo zvavakadzidziswa namadzibaba avo;