Jeremiah 9:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndicaʋaparadzira ʋo pakati pamarudzi, aʋakaŋga ʋasiŋgaziʋi iʋo kunyaŋge namadziɓaɓa aʋo; ndicatuma munondo uʋateʋere, kuȿikira ndaʋapedza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichavaparadzira pakati pendudzi dzavasina kumboziva uye dzisina kumbozivikanwa namadzibaba avo, uye ndichavatevera nomunondo kusvikira ndavaparadza.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndichavati mwarara mukati mendudzi dzavanhu vavasingamboziva uye vasina kumbozivikanwa namadzibaba avo. Ndichati varondwe nehondo yebakatwa kusvikira ndavatsakatisa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndichavaparadzirawo pakati pamarudzi, avakanga vasingazivi ivo kunyange namadzibaba avo; ndichatuma munondo uvatevere, kusvikira nadavapedza.’ ”
Shona 2009?
Ndichavaparadzirawo pakati pamarudzi, avakanga vasingazivi ivo kunyange namadzibaba avo; ndichatuma munondo uvatevere, kusvikira ndavapedza.' "
Shona SUB 2002 Bible
Ndichavaparadzirawo pakati pamarudzi, avakanga vasingazivi ivo kunyangwe namadzibaba avo; ndichatuma munondo uvatevere, kusvikira ndavapedza.’ ”