Jeremiah 9:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti inzwi rokucema rinonzwika ricibva Zioni, riciti: Haiwa, takaparadzwa seiko! Takanyadziswa kwaɀo, nokuti tabva panyika yeɗu, nokuti ʋakakoromora dzimba dzeɗu dzataigara.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Maungira okuchema anonzwika kubva Zioni achiti: ‘Haiwa taparadzwa sei! Haiwa kunyadziswa kwedu kukuru sei! Tinofanira kusiya nyika yedu nokuti dzimba dzedu ava matongo.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti mhere yokuhwihwidza yanzwika kuguta reZioni ichiti: ‘Inga taparara isu! Tazonyadziswa zvikuru nokuti tatosiya nyika yedu nokuti vaparadza misha yedu.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti inzwi rokuchema rinonzwika richibva Zioni, richiti, “Haiwa, takaparadzwa seiko! Takanyadziswa kwazvo, nokuti tabva panyika yedu nokuti vakakoromora dzimba dzedu dzataigara.”
Shona 2009?
Nokuti inzwi rokuchema rinonzwika richibva Ziyoni, richiti, "Haiwa, takaparadzwa seiko! Takanyadziswa kwazvo, nokuti tabva panyika yedu nokuti vakakoromora dzimba dzedu dzataigara."
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti izwi rokuchema rinonzwika richibva Zioni, richiti, “Haiwa, takaparadzwa seiko! Takanyadziswa kwazvo, nokuti tabva panyika yedu nokuti vakakoromora dzimba dzedu dzataigara.”