Jeremiah 9:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Taura, uti: Ɀanzi naJehova: Ɀitunha ɀaʋanhu ɀicawira pasi somupfudze kuɓundo, setsama yehura dzinosiyiwa nomuceki, dzisina‐unodziʋuŋganidza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uti, “Zvanzi naJehovha, ‘Zvitunha zvavanhu zvichavata somupfudze uri pamusoro pomunda, sezviyo zvakachekwa shure kwavacheki, zvisina achazviunganidza.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iti, ‘Zvanzi naTenzi zvitunha zvevanhu zvichati kata kata pasi sendove mugura sezvisote pabva mukohwi pasina anovaunganidza.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Taura, uti, “Zvanzi naJehovha, ‘Zvitunha zvavanhu zvichawira pasi somupfudze kubundo, setsama yehura dzinosiyiwa nomucheki, dzisina unodziunganidza.’ ”
Shona 2009?
Taura, uti, "Zvanzi naJehovha, `Zvitunha zvavanhu zvichawira pasi somupfudze kubundo, setsama yehura dzinosiyiwa nomucheki, dzisina unodziunganidza.' "
Shona SUB 2002 Bible
Taura, uti, “Zvanzi naJehovha, ‘Zvitunha zvavanhu zvichawira pasi somupfudze kubundo, setsama yehura dzinosiyiwa nomucheki, dzisina unodziunganidza.’ ”