Job 1:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hamuna‐kumupoteredza here norumhanda, iye neimba yake, neɀose ɀaanaɀo, pamatiʋi ose? Makaropafadza maɓasa amaʋoko ake, ʋuye fuma yake yakawanda panyika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ko, hamuna kumupoteredza noruzhowa iye neimba yake nezvose zvaanazvo here? Makaropafadza basa ramaoko ake, uye pfuma yakatekeshera munyika yose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Handiti makamutenderedza norumhanda iye nemba yake uye zvose zvaanazvo kumativi ose? Makakomborera basa raanoita namaoko ake. Makaita kuti zvinhu zvake zviwande panyika.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hamuna kumupoteredza here norumhanda, iye neimba yake, nezvose zvaanazvo, pamativi ose? Makaropafadza mabasa amaoko ake, uye pfuma yake yakawanda panyika.
Shona 2009?
Hamuna kumupoteredza here norumhanda, iye neimba yake, nezvose zvaanazvo, pamativi ose? Makaropafadza mabasa amaoko ake, uye fuma yake yakawanda panyika.
Shona SUB 2002 Bible
Hamuna kumupoteredza here norumhanda, iye neimba yake, nezvose zvaanazvo, pamativi ose? Makaropafadza mabasa amaoko ake, uye pfuma yake yakawanda panyika.