Job 1:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye wakati acataura, mumŋe akaȿika ʋo, akati: Mŋoto waMŋari wakabva kuɗeŋga, ukapisa makwai naʋafudzi, ukaʋapedza; ini ndoga ndapukunyuka, ndaʋuya kuzokuʋudzai.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Achiri kutaura kudaro, imwe nhume yakasvika ikati, “Moto waMwari waburuka kudenga ukapisa makwai navaranda, uye ini ndoga ndini ndapunyuka kuti ndizokuzivisai!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Achiri kutaura kudaro, kwakasvika mumwe achitiwo, “Moto waMwari waburuka kudenga ukapisa hwai navashandi ukavaroromesa. Ini ndoga ndini ndapunyuka kuzokutaurirai.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akati achitaura, mumwe akasvikawo, akati, “Moto waMwari wakabva kudenga, ukapisa makwai navafudzi, ukavapedza; ini ndoga ndapukunyuka, ndauya kuzokuudzai.”
Shona 2009?
Iye akati achitaura, mumwe aka­svikawo, akati, "Moto waMwari waka­bva kudenga, ukapisa makwai navafudzi, ukavapedza; ini ndoga ndapukunyuka, ndauya kuzokuudzai."
Shona SUB 2002 Bible
Iye akati achitaura, mumwe akasvikawo, akati, “Moto waMwari wakabva kudenga, ukapisa makwai navafudzi, ukavapedza; ini ndoga ndapukunyuka, ndauya kuzokuudzai.”