Job 1:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye wakati acataura, mumŋe akaȿika ʋo, akati: ƲaKardea ʋakaita mapoka matatu, ʋakawira makamera, ʋakaatora, naʋafudzi ʋo ʋakaʋaʋuraya neminondo inopinza; ini ndoga ndapukunyuka, ndaʋuya kuzokuʋudzai.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Achiri kutaura kudaro, imwe nhume yakasvika ikati, “VaKaradhea vaita mapoka matatu okupamba vakatora ngamera dzenyu vakaenda nadzo. Vauraya varanda venyu nomunondo, uye ini ndoga ndini ndapunyuka kuti ndizokuzivisai!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Achiri kutaurawo kudaro, kwakauyazve mumwe achiti, “VaKaradhiya vaita mapoka matatu ndokubva vaita chivhundumukira pangamera vakaenda nadzo. Vauraya vashandi namapakatwa. Ini ndoga ndini ndangopunyuka kuzokutaurirai.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akati achitaura, mumwe akasvikawo, akati, “VaKaradhea vakaita mapoka matatu, vakawira ngamera, vakadzitora, navafudziwo vakavauraya neminondo inopinza; ini ndoga ndapukunyuka, ndauya kuzokuudzai.”
Shona 2009?
Iye akati achitaura, mumwe aka­svikawo, akati, "VaKaradhea vakaita ma­poka matatu, vakawira makamera, vakamatora, navafudziwo vakavauraya neminondo inopinza; ini ndoga ndapuku­nyuka, ndauya kuzokuudzai."
Shona SUB 2002 Bible
Iye akati achitaura, mumwe akasvikawo, akati, “VaKaradhia vakaita mapoka matatu, vakawira ngamera, vakadzitora, navafudziwo vakavauraya neminondo inopinza; ini ndoga ndapukunyuka, ndauya kuzokuudzai.”