Job 1:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
akati: Ndakaɓuɗa mumimba mamai ʋaŋgu ndiri mushwi, ndicadzokera’po ndiri mushwi; Jehova wakapa, Jehova wakatora, zita raJehova ŋgarikudzwe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
akanamata achiti: “Ndakabuda mudumbu ramai vangu ndiri mushwi, uye ndichadzokera ndiri mushwi. Jehovha akapa uye Jehovha akatora, Zita raJehovha ngarirumbidzwe.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akati: “Ndakabuda mudumbu ramai vangu ndisina chandakapfeka ndichadzokerazve ndisina chandakapfeka; Tenzi ndiye akapa; Tenzi ndiye atora. Zita raTenzi ngarirumbidzwe.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
akati, “Ndakabuda mumimba mamai vangu ndiri mushwi, ndichadzokerapo ndiri muhwi; Jehovha akapa, Jehovha wakatora, zita raJehovha ngarikudzwe.”
Shona 2009?
akati, "Ndakabuda mumimba mamai vangu ndiri musvi, ndichadzokerapo ndiri musvi; Jehovha wakapa, Jehovha wakatora, zita raJehovha ngarikudzwe."
Shona SUB 2002 Bible
akati, “Ndakabuda mumimba mamai vangu ndiri mushwi, ndichadzokerapo ndiri muhwi; Jehovha akapa, Jehovha wakatora, zita raJehovha ngarikudzwe.”