Job 1:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana mazuʋa okutamba kwaʋo apera Jobo waituma nhume kuʋaɗana ʋanatswe, ɀino iye ndokumuka maŋgwanani, ndokupisa ɀipiriso ɀinopiswa ɀaiʋariŋganira ʋose; nokuti Jobo wakati: Ɀimŋe ʋanakomana ʋaŋgu ʋakatadza, ʋakashoʋora Mŋari pamŋoyo yaʋo; Jobo waisiɗaro ŋguʋa dzose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nguva yomutambo yapera, Jobho aituma nhume kundovadana kuti vazonatswa. Aimuka mangwanani-ngwanani achivabayira chipiriso chinopiswa, mumwe nomumwe wavo achiti, “Zvichida vana vangu vakatadza uye vakatuka Mwari mumwoyo yavo.” Aya ndiwo aiva maitiro aJobho nguva dzose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paainge mazuva iwayo amabiko apera, Jobhu aitumira nhume yokuti vazomuchenura. Aifumomuka rungwanani-ngwanani achipira zvibayiro zvokupisa maererano nouwandu hwavo, nokuti Jobhu aiti vangadaro vanakomana vake vakatadzira Mwari vachimushonha mumwoyo yavo. Jobhu aiita saizvozvo nguva dzose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kana mazuva okutamba kwavo apera Jobho aituma nhume kuvadana vanatswe, zvino iye ndokumuka mangwanani, ndokupisa zvipiriso zvinopiswa zvaivaringanira vose; nokuti Jobho wakati, “Zvimwe vanakomana vangu vakatadza, vakashora Mwari pamwoyo yavo;” Jobho aisidaro nguva dzose.
Shona 2009?
Zvino kana mazuva okutamba kwavo apera Jobho aituma nhume kuvadana vanatswe, zvino iye ndokumuka mangwanani, ndokupisa zvipiriso zvinopiswa zvaivaringanira vose; nokuti Jobho wakati, "Zvimwe vanakomana vangu vakatadza, vakashora Mwari pamoyo yavo;" Jobho aisidaro nguva dzose.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kana mazuva okutamba kwavo apera Jobho aituma nhume kuvadana vanatswe, zvino iye ndokumuka mangwanani, ndokupisa zvipiriso zvinopiswa zvaivaringanira vose; nokuti Jobho wakati, “Zvimwe vanakomana vangu vakatadza, vakashora Mwari pamwoyo yavo;” Jobho aisidaro nguva dzose.