Job 2:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi iye wakati kwaari: Iwe unotaura seɀinotaura mumŋe waʋakadzi mapenzi. Tiŋgagamucira ɀakanaka ɓedzi paruʋoko rwaMŋari, tikasagamucira ɀakaipa ʋo here? Paɀinhu iɀi ɀose Jobo haana‐kutadza nomuromo wake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iye akapindura akati, “Iwe unotaura somukadzi benzi. Ko, tichagamuchira zvakanaka kubva kuna Mwari, tikashayiwa zvakaipa here?” Pazvinhu izvi zvose, Jobho haana kutadza pane zvaakataura.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Jobhu akati kwaari, “Inga unotaura serimwe benzi ravakadzi. Saka tinofanira kungogamuchira zvakanaka chete kuna Mwari asi zvakaipa torega nhai?” Muna zvose izvozvi Jobhu hapana chaakataura nomuromo wake chaakatadzira nacho Mwari. Shamwari dzaJobhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi iye akati kwaari, “Iwe unotaura sezvinotaura mumwe wavakadzi mapenzi. Tingagamuchira zvakanaka bedzi paruoko rwaMwari, tikasagamuchira zvakaipawo here?” Pazvinhu izvi zvose Jobho haana kutadza nomuromo wake.
Shona 2009?
Asi iye akati kwaari, "Iwe unotaura sezvinotaura mumwe wavakadzi mapenzi. Tingagamuchira zvakanakacheteparuoko rwaMwari, tikasagamuchira zvakaipawo here?" Pazvinhu izvi zvose Jobho haana kutadza nomuromo wake.
Shona SUB 2002 Bible
Asi iye akati kwaari, “Iwe unotaura sezvinotaura mumwe wavakadzi mapenzi. Tingagamuchira zvakanaka bedzi paruoko rwaMwari, tikasagamuchira zvakaipawo here?” Pazvinhu izvi zvose Jobho haana kutadza nomuromo wake.