Job 2:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino shamŋari nhatu dzaJobo dzakati dzicinzwa ɀakaipa ɀose ɀakaŋga ɀamuwira, dzikaʋuya mumŋe nomumŋe acibva kwake, dzaiti Erifazi muTemani, naBirdadi muShuhi, naZofari muNaamati; ʋakatenderana kundomuɗemba nokumunyaradza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Shamwari nhatu dzaJobho, Erifazi muTemani, Bhiridhadhi muShuhi naZofari muNamati dzakati dzanzwa pamusoro pokutambudzika kwakanga kwawira pamusoro pake, vakabva kumisha yavo vakaungana pamwe chete vatenderana kuti vaende kundomudemba nokumunyaradza.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino kuzoti shamwari nhatu dzaJobhu padzakanzwa nhamo dzose dzakanga dzawira Jobhu, dzakauya kwaari, imwe neimwe ichibva kunzvimbo yayo. Kwaiti Erifazi muTemani naBhiridhadhi muShuhi naZofa muNaamati. Vakanga vatenderana kuuya pamwechete kuzobata maoko Jobhu vachimunyaradza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino shamwari nhatu dzaJobho dzakati dzichinzwa zvakaipa zvose zvakanga zvamuwira, dzikauya mumwe nomumwe achibva kwake, dzaiti Erifazi muTemani, naBhiridhadhi muShuhi, naZofari muNamati; vakatenderana kundomunzwira tsitsi nokumunyaradza.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible