Job 2:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakati ʋacitarira ʋaciri kure, ʋakasamuziʋa, ʋakacema kwaɀo, mumŋe nomumŋe akabvarura ŋguʋo yake, ʋakakushira guruʋa kuɗeŋga pamisoro yaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakati vamuona ari chinambo, havana kugona kumuziva, vakatanga kuchema zvikuru, uye vakabvarura nguo dzavo uye vakazvimwaya guruva pamisoro yavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pavakaona Jobhu nokure havana kukwanisa kumuziva. Vakahwihwidza kuchema vachisvimha misodzi. Vakabva vabvarura magemenzi avo vakazvidira ivhu mumusoro vachiritiburirira kudenga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakati vachitarira vachiri kure, vakasamuziva, vakachema kwazvo, mumwe nomumwe akabvarura nguo yake, vakakushira guruva kudenga pamisoro yavo.
Shona 2009?
Zvino vakati vachitarira vachiri kure, vakasamuziva, vakachema kwazvo, mumwe nomumwe akabvarura nguvo yake, vakakushira guruva kudenga pamisoro yavo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakati vachitarira vachiri kure, vakasamuziva, vakachema kwazvo, mumwe nomumwe akabvarura nguo yake, vakakushira guruva kudenga pamisoro yavo.