Job 26:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tarira, iɀi ndiwo mudziʋo woga wenzira dzake; Haiwa, tinoŋgonzwa zeʋe‐zeʋe roga renzwi rake! Asi kutinhira kwesimba rake ndianiko uŋgakunzwisisa?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye izvi ndiwo macheto oga ebasa rake; haiwa tinonzwa kuzevezera kwake seiko! Zvino ndianiko anganzwisisa kutinhira kwesimba rake?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Izvi zvinongova kadimbu kadiki kezvaanoita, zvatinonzwa rinongova zevezeve razvo. Ndiani anganzwisise kutinhira kwesimba rake?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Tarira, izvi ndiwo mudzivo woga wenzira dzake; Haiwa, tinogonzwa zeve-zeve roga rezwi rake! Asi kutinhira kwesimba rake ndianiko angakunzwisisa?”
Shona 2009?
Tarira, izvi ndiwo mudzivo woga wenzira dzake; Haiwa, tinongonzwa zeve-zeve roga renzwi rake! Asi kutinhira kwesimba rake ndianiko angakunzwisisa?"
Shona SUB 2002 Bible
Tarira, izvi ndiwo mudzivo woga wenzira dzake; Haiwa, tinogonzwa zeve–zeve roga rezwi rake! Asi kutinhira kwesimba rake ndianiko angakunzwisisa?”