Job 31:29 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana ndiciŋge ndafarira kuparadzwa kwomuʋeŋgi waŋgu, Kana kuɀikudza paŋguʋa yaakaʋiŋgwa neɀakaipa;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Kana ndakafadzwa nokurasikirwa kwomuvengi wangu, kana kufara zvikuru pamusoro penhamo yakamuwira,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dai kuri kuti ndakafarira kuparara kwomuvengi wangu kana kufara paainge awirwa nenhamo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana ndichinge ndafarira kuparadzwa kwomuvengi wangu, Kana kuzvikudza panguva yaakavingwa nezvakaipa;
Shona 2009?
Kana ndichinge ndafarira kuparadzwa komuvengi wangu, Kana kuzvikudza panguva yaakavingwa nezvakaipa;
Shona SUB 2002 Bible
Kana ndichinge ndafarira kuparadzwa kwomuvengi wangu, Kana kuzvikudza panguva yaakavingwa nezvakaipa;