Job 32:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Erihu mŋanakomana waBarakeri muBuzi wakapindura, akati: Ini ndiri muɗuku, asi imi maʋa ʋakuru kwaɀo; Saka ndakaɀidzora haŋgu, ndikatya kukuziʋisai kufuŋga kwaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi akati: “Ndiri muduku pamakore, uye imi muri vakuru; ndokusaka ndanga ndichitya, ndisingadi kukuudzai zvandinoziva.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo Erihu mwana waBharakieri muBhuzi akati, “Ini ndiri muduku imi makura, naizvozvo ndanga ndichinyara ndichitya kukuudzai zvandinoziva.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi wakapindura, akati, “Ini ndiri muduku, asi imi mava vakuru kwazvo; Saka ndakazvidzora hangu, ndikatya kukuzivisai kufunga kwangu.
Shona 2009?
Zvino Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi wakapindura, akati, "Ini ndiri muduku, asi imwi mava vakuru kwazvo; Saka ndakazvidzora hangu, ndikatya kukuzivisai kufunga kwangu.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi wakapindura, akati, “Ini ndiri muduku, asi imi mava vakuru kwazvo; Saka ndakazvidzora hangu, ndikatya kukuzivisai kufunga kwangu.