Job 4:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakamira, asi ndakaŋga ndisiŋgagoni kuʋona kuti wakaɗini; Mufananidzo wakaŋga uri pamberi pameso aŋgu; Kunyarara kukaʋa’po, ndikanzwa inzwi riciti:
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Wakamira, asi ndakatadza kuziva kuti chaiva chii. Chinhu chakamira pamberi pameso angu, uye ndakanzwa inzwi rakanyarara richiti:
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pakamira chimwe chinhu chandisina kuona mamiriro acho chakamboti mirei pamberi pangu ndokuti ziro-o ndokuzonzwa izwi richiti.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Wakamira, asi ndakanga ndisingagoni kuona kuti akadini; Mufananidzo wangu wakanga uri pamberi pameso angu; Kunyarara kukavapo, ndikanzwa izwi richiti,
Shona 2009?
Wakamira, asi ndakanga ndisingagoni kuona kuti akadini; Mufananidzo wangu wakanga uri pamberi pameso angu; Kunyarara kukavapo, ndikanzwa inzwi richiti,
Shona SUB 2002 Bible
Wakamira, asi ndakanga ndisingagoni kuona kuti akadini; Mufananidzo wangu wakanga uri pamberi pameso angu; Kunyarara kukavapo, ndikanzwa izwi richiti,