Job 42:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ʋanuŋuna ʋake ʋose, nehanɀadzi dzake dzose, naʋazikani ʋake ʋose ʋaimuziʋa kare ʋakaʋuya kwaari, ʋakadya ɀokudya mumba make; ʋakamuɗemba nokumunyaradza pamsoro peɀakaipa ɀose ɀakaŋga ɀaʋuyiswa naJehova pamsoro pake; munhu mumŋe nomumŋe wakamupa ʋo cimari, nomumŋe nomumŋe cindori cendarama.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanun'una vake vose nehanzvadzi dzake navose vaimuziva vakauya vakadya pamwe chete naye mumba make. Vakamuvaraidza uye vakamunyaradza pamusoro pamatambudziko akanga aiswa naJehovha pamusoro pake, uye mumwe nomumwe wavo akamupa chidimbu chesirivha nemhete yegoridhe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakomanavanun'una vake nehanzvadzi dzake navamwe vose vaimuziva vakauya kwaari kuzodya naye. Vakamunzwira urombo vakamunyaradza pane zvakaipa zvose zvakanga zvaunzwa naTenzi pavari. Mumwe nomumwe wavo akavapa mari neringi rendarama.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo vanun'una vake vose, nehanzvadzi dzake dzose, navazikani vake vose vaimuziva kare vakauya kwaari, vakadya zvokudya mumba make; vakamudemba nokumunyaradza pamusoro pezvakaipa zvose zvakanga zvauyiswa naJehovha pamusoro pake; munhu mumwe nomumwe akamupawo chimari, nomumwe nomumwe chindori chendarama.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible