Job 42:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ɀino citorai nzombe nomŋe namakondobge manomŋe, muende kumuranda waŋgu Jobo, muɀipisire cipiriso cinopiswa; ɀino muranda waŋgu Jobo ucakunyeŋgetererai; nokuti ndicamugamucira iye, kuti ndirege kukuitirai ɀakaenzana noʋupenzi bgenyu; nokuti imi hamuna‐kutaura pamsoro paŋgu ɀakarurama, seɀakaita muranda waŋgu Jobo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka zvino chitorai hando nomwe namakondohwe manomwe mugoenda kumuranda wangu Jobho mundozvibayira sechipiriso chenyu chinopiswa. Muranda wangu Jobho achakunyengetererai, uye ini ndichagamuchira munyengetero wake ndigorega kukuitirai zvakafanira upenzi hwenyu. Hamuna kutaura zvakarurama pamusoro pangu, somuranda wangu Jobho.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chitotorai zvenyu handira nomwe nohondohwe nomwe muende nadzo kumuranda wangu Jobhu muzvipirire mupiro wokupisa. Muranda wangu Jobhu achakunamatirai nokuti munamato wake ndichaugamuchira kuti ndirege kukuitirai zvinowirirana noupenzi hwenyu nokuti imi hamuna kutaura zvakarurama nezvangu somuranda wangu Jobhu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo zvino chitorai nzombe nomwe namakondobwe namanomwe, muende kumuranda wangu Jobho, muzvipisire chipiriso chinopiswa; zvino muranda wangu Jobho achakunyengetererai; nokuti ndichamugamuchira iye, kuti ndirege kukuitirai zvakaenzana nohupenzi hwenyu; nokuti imi hamuna kutaura pamusoro pangu zakarurama, sezvakaita muranda wangu Jobho.”
Shona 2009?
Naizvozvo zvino chitorai nzombe nomwe namakondobwe namanomwe, muende kumuranda wangu Jobho, muzvipisire chipiriso chinopiswa; zvino muranda wangu Jobho achakunyengetererai; nokuti ndichamugamuchira iye, kuti ndirege kukuitirai zvakaenzana nohupenzi bwenyu; nokuti imwi hamuna kutaura pamusoro pangu zakarurama, sezvakaita muranda wangu Jobho."
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo zvino chitorai nzombe nomwe namakondobwe namanomwe, muende kumuranda wangu Jobho, muzvipisire chipiriso chinopiswa; zvino muranda wangu Jobho achakunyengetererai; nokuti ndichamugamuchira iye, kuti ndirege kukuitirai zvakaenzana noupenzi hwenyu; nokuti imi hamuna kutaura pamusoro pangu zakarurama, sezvakaita muranda wangu Jobho.”