Job 7:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana ndiciŋge ndatadza, ndiŋgakuiteiko imi, mucerekedzi waʋanhu? Makandiitireiko cinhu camunoʋaʋarira, Kuti ini ndiɀiremedze?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana ndakatadza, ndakaiteiko kwamuri, imi mutariri wavanhu? Makaitireiko kuti ini ndive munhu wamunovavarira? Ko, ini ndava mutoro kwamuri here?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana ndikapara zvangu chitadzo chachinokuitai chii chaizvo, nhai imi mutarisi wavanhu? Ko maramba mangoti neni nangananga sei? Nemhaka yei ndave mutoro kwamuri?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana ndichinge ndatadza, ndingakuiteiko imi, mucherekedzi wavanhu? Makandiitireiko chinhu chamunovavarira, Kuti ini ndizviremedze?
Shona 2009?
Kana ndichinge ndatadza, ndingakuiteiko imi, mucherekedzi wavanhu? Makandiitireiko chinhu chamunovavarira, Kuti lni ndizviremekedze.
Shona SUB 2002 Bible
Kana ndichinge ndatadza, ndingakuiteiko imi, mucherekedzi wavanhu? Makandiitireiko chinhu chamunovavarira, Kuti ini ndizviremedze?