Job 7:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Munoregereiko kukaŋganwira kuɗarika kwaŋgu, nokubvisa kutadza kwaŋgu? Nokuti ɀino ndicaʋata pasi muguruʋa; Mucanditȿaka ɀikuru, asi handicazoʋi’po.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nemhaka yeiko musingandikanganwiri mhaka dzangu nokundiregerera zvivi zvangu? Nokuti ndichavata muguruva nokukurumidza. Muchanditsvaka, asi handichazovipozve.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munorega nei kundiregererawo chitadzo changu muchindibvisirawo uipi hwangu? Nokuti pari zvino ndicharara muvhu muchanditsvaka asi ndinenge ndisisiri chinhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Munoregereiko kukanganwira kudarika kwangu, nokubvisa kutadza kwangu? Nokuti zvino ndichavata pasi muguruva; Muchanditsvaka zvikuru, asi handichazovepo.
Shona 2009?
Munoregereiko kukangamwira kudarika kwangu, nokubvisa kutadza kwangu? Nokuti zvino ndichavata pasi muguruva; Muchanditsvaka zvikuru, asi handichazovepo.
Shona SUB 2002 Bible
Munoregereiko kukanganwira kudarika kwangu, nokubvisa kutadza kwangu? Nokuti zvino ndichavata pasi muguruva; Muchanditsvaka zvikuru, asi handichazovepo.