Joel 1:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Muzambiriŋga waȿaʋa, muʋonde unoshaiwa simba; mutamba nomucindwe ʋo, nomuapuri, nemiti yose yomunda yawoma; mufaro waʋanakomana ʋaʋanhu wapera.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muzambiringa waoma, uye muonde wasvava; mutamba, muchindwi nomuti womuapuro, miti yose yesango, yaoma. Zvirokwazvo, mufaro wavanhu wapera.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mugirepisi wasvava, muonde warezuka. Mupomegiraneti nomurara nomuapuru nemiti yesango yose zvayo yauna. Rufaro muvanhu rwapera.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Muzambiringa wasvava, muonde unoshaiwa simba, mutamba nomuchindwewo, nomuapuri, nemiti yose yomunda yaoma; mufaro wavanakomana vavanhu wapera.
Shona 2009?
Muzambiringa wasvava, muonde unoshaiwa simba, mutamba nomuchindwewo, nomuapuri, nemiti yose yomunda yaoma; mufaro wavanakomana vavanhu wapera.
Shona SUB 2002 Bible
Muzambiringa wasvava, muonde unoshaiwa simba, mutamba nomuchindwewo, nomuepero, nemiti yose yomunda yaoma; mufaro wavanakomana vavanhu wapera.