Joel 2:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
asi ndicabvisa kure nemi hondo inobva kurutiʋi rwokumsoro, ndiciidziŋgira kunyika yakawoma yakaparadzwa, rutiʋi rwayo rwapamberi rwakatarira kuguŋgwa rokumabvazuʋa, norutiʋi rwayo rweshure kuguŋgwa rokumaʋirazuʋa; kunhuwa kwayo kucakwira, norwema rwayo rwakaipa rucakwira, nokuti yakaita ɀinhu ɀikuru.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ndichadzingira kure nemi hondo yokumusoro, ndichaidzingira kunyika yakaoma isina chibereko, dziya dziri mberi dzichawira mugungwa rokumabvazuva, uye dziya dziri shure dzichawira mugungwa rokumadokero. Uye kunhuwa kwadzo kuchakwira; kunhuwa kwadzo kukuru kuchakwira.” Zvirokwazvo akaita zvinhu zvikuru.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndichaendesa wokuchamhembe kure nemi ndigomudzingira murenje zvaro renyika, nhungamiri dzake dzavarwi ndidziti rororo mugungwa rokumabvazuva, varwi vake vokutsigira shure ndichivati ririri mugungwa rokumadokero. Gutukutu rokunhuwa kwake richasumuka, nokuti yaakapara ihuru.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
asi ndichabvisa kure nemi hondo inobva kurutivi rwokumusoro, ndichiidzingira kunyika yakaoma yakaparadzwa, rutivi rwayo pamberi rwakatarira kugungwa rokumabvazuva, norutivi rwayo rweshure kugungwa rokumavirazuva; kunhuwa kwayo kuchakwira, norwema rwayo rwakaipa ruchakwira, nokuti yakaita zvinhu zvikuru.
Shona 2009?
asi ndichabvisa kure nemwi hondo inobva kurutivi rwokumusoro, ndichiidzingira kunyika yakaoma yakaparadzwa, rutivi rwayo pamberi rwakatarira kugungwa rokumabvazuva, norutivi rwayo rweshure kugungwa rokumavirazuva; kunhuwa kwayo kuchakwira, norwema rwayo rwakaipa ruchakwira, nokuti yakaita zvinhu zvikuru.
Shona SUB 2002 Bible
asi ndichabvisa kure nemi hondo inobva kurutivi rwokumusoro, ndichiidzingira kunyika yakaoma yakaparadzwa, rutivi rwayo pamberi rwakatarira kugungwa rokumabvazuva, norutivi rwayo rweshure kugungwa rokumavirazuva; kunhuwa kwayo kuchakwira, norwema rwayo rwakaipa ruchakwira, nokuti yakaita zvinhu zvikuru.