Joel 2:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo farai, imi ʋana ʋeZioni, mufarisise munaJehova Mŋari wenyu; nokuti unokupai mudzidzisi wokururama, ʋuye unokunisirai mvura, mvura yokutaŋga nemvura yokuteʋerera, no mŋedzi wokutaŋga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Farai imi vanhu veZioni, farai muna Jehovha Mwari wenyu, nokuti akakupai mvura yokupedzisira mukururama. Anokupai mvura yakawanda, yokupedzisira neyebumharutsva sakare.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Farai henyu imi vana veguta reZioni mupembere kufara naTENZI, Mwari wenyu, nokuti akakunayisirai mvura yomunhuruka achiita zviri pamwero akakuwodzvorerai mvura yomunhuruka neyamatsutso sakare.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo farai, imi vana veZioni, mufarisise muna Jehovha Mwari wenyu; nokuti anokupai mudzidzisi wokururama, uye anokunisirai mvura, mvura yokutanga nemvura yokuteverera, nomwedzi wokutanga.
Shona 2009?
Naizvozvo farai, imwi vana veZiyoni, mufarisise muna Jehovha Mwari wenyu; nokuti anokupai mudzidzisi wokururama, uye anokunisirai mvura, mvura yokutanga nemvura yokuteverera, nomwedzi wokutanga.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo farai, imi vana veZioni, mufarisise muna Jehovha Mwari wenyu; nokuti anokupai mudzidzisi wokururama, uye anokunisirai mvura, mvura yokutanga nemvura yokuteverera, nomwedzi wokutanga.