Joel 2:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mŋoto unoparadza pamberi paʋo, muraɀo unopfuta shure kwaʋo; nyika yakaita somunda weEdeni pamberi paʋo, ʋuye serenje rakaparadzwa shure kwaʋo; ɀirokwaɀo, hakuna‐wakapukunyuka kwaʋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Moto unoparadza pamberi padzo, marimi omoto ari kupisa shure kwadzo. Pamberi padzo, nyika yakafanana nebindu reEdheni, shure kwadzo kwangova gwenga risina basa, hapana chinopunyuka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dzemberi kwacho ungati moto unororomesa. Dzeshure moto zvawo unoririma. Mberi kwadzo uku, nyika yacho ungati ibindu reEdheni; asi shure kwadzo, kwava renje zvaro raparara. Hapana chinodzipunyuka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Moto unoparadza pamberi pavo, murazvo unopfuta shure kwavo; nyika yakaita somunda weEdheni pamberi pavo, uye serenje rakaparadzwa shure kwavo; zvirokwazvo, hakuna wakapukunyuka kwavari.
Shona 2009?
Moto unoparadza pamberi pavo, murazvo unopfuta shure kwavo; nyika yakaita somunda weEdheni pamberi pavo, uye serenje rakaparadzwa shure kwavo; zvirokwazvo, hakuna wakapukunyuka kwavari.
Shona SUB 2002 Bible
Moto unoparadza pamberi pavo, murazvo unopfuta shure kwavo; nyika yakaita somunda weEdheni pamberi pavo, uye serenje rakaparadzwa shure kwavo; zvirokwazvo, hakuna wakapukunyuka kwavari.