Joel 2:32 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino aninani unoɗana zita raJehova ucarwirwa; nokuti pagomo reZioni napaJerusarema ndi’po pacaʋa naʋakapukunyuka, seɀakataura Jehova, napakati paʋakasara ndi’po pacaʋa ʋakaɗanwa naJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye ani naani achadana kuzita raJehovha achaponeswa; nokuti paGomo reZioni nomuJerusarema muchava noruponeso sezvakataurwa naJehovha, pakati pavanopunyuka, avo vachadanwa naJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvichaitika kuti ani naani anodana zita raTENZI achaponeswa nokuti muGomo reZioni nomuJerusaremu muchava navanhu vanopunyuka sokutaura kwakaitawo TENZI uye mukati mevanenge vapunyuka muchava navanhu vakadaidzwa naTENZI.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ani naani anodana zita raJehovha acharwirwa; nokuti pagomo reZioni napaJerusaremu ndipo pachava navakapukunyuka, sezvakataura Jehovha, napakati pavakasara ndipo pachava vakadanwa naJehovha.
Shona 2009?
Zvino ani naani anodana zita raJehovha acharwirwa; nokuti pagomo reZiyoni napaJerusaremu ndipo pachava navakapukunyuka, sezvakataura Jehovha, napakati pavakasara ndipo pachava vakadamwa naJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ani naani anodana zita raJehovha acharwirwa; nokuti pagomo reZioni napaJerusaremu ndipo pachava navakapukunyuka, sezvakataura Jehovha, napakati pavakasara ndipo pachava vakadanwa naJehovha.