Joel 3:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Egipita ricaʋa ɗoŋgo, ʋuye Edomi ricaʋa renje rakaparadzwa, nemhaka yesimba rakaitirwa ʋana ʋaJuda, ɀaʋakateʋura ropa risinemhoȿa panyika yaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Ijipiti ichava dongo, Edhomu ichava gwenga risina basa, Nokuda kwokurwiswa kwakaitwa vanhu veJudha, vakateura ropa risina mhosva munyika yavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ijipiti ichava renje zvaro Edhomu ichiva renje risina chinhu kutsivawo utsinye hwakaitwa kuvanhu vokwaJudha nokuti vakadeura ropa risina mhosva munyika yavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ijipiti richava dongo, uye Edhomu richava renje rakaparadzwa, nemhaka yesimba rakaitirwa vana vaJudha, zvavakateura ropa risina mhosva panyika yavo.
Shona 2009?
Ijipiti richava dongo, uye Edhomu richava renje rakaparadzwa, nemhaka yesimba rakaitirwa vana vaJudha, zvavakateura ropa risina mhosva panyika yavo.
Shona SUB 2002 Bible
Ijipiti richava dongo, uye Edhomu richava renje rakaparadzwa, nemhaka yesimba rakaitirwa vana vaJudha, zvavakateura ropa risina chipomerwa panyika yavo.