John 1:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Shoko rakazoʋa nyama, rikagara pakati peɗu, (tikaʋona kubginya kwake, kubginya sokwowakaɓerekwa mumŋe cete waƂaɓa), azere nenyasha neɀokwaɗi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Shoko rakava nyama uye rakagara pakati pedu. Takaona kubwinya kwake, kubwinya kwaIye Mumwe Oga, akabva kuna Baba, azere nenyasha uye nechokwadi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Izwi akava munhu anenyama akagara pakati pedu azere nyasha nechokwadi. Takaona mbiri yake inokodzerana nomwana oga waBaba.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Izwi rakazova munhu, rikagara pakati pedu, tikaona kubwinya kwake, kubwinya sokwowakaberekwa mumwechete wababa, azere nenyasha nechokwadi.
Shona 2009?
Shoko wakazova nyama, akagara pakati pedu, tikavona kubwinya kwake, kubwinya sokowakaberekwa mumwe chete wababa, azere nenyasha nechokwadi.
Shona SUB 2002 Bible
Izwi rakazova munhu, rikagara pakati pedu, tikaona kubwinya kwake, kubwinya sokwowakaberekwa mumwechete waBaba, azere nenyasha nechokwadi.