John 1:29 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Aʋa maŋgwana wakaʋona Jesu aciʋuya kwaari, akati: Tarirai, Gwaiana raMŋari, rinobvisa ɀiʋi ɀenyika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Chifume chamangwana Johani akaona Jesu achiuya kwaari akati, “Tarirai, Gwayana raMwari, rinobvisa chivi chenyika!
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ramangwana acho, Johani akaona Jesu achiuya kwaari akati, “Tarisai muone hwayana yaMwari inobvisa chitadzo chapasi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ava mangwana akaona Jesu achiuya kwaari, akati, “Tarirai, Hwayana yaMwari, inobvisa zvivi zvenyika.
Shona 2009?
Ava mangwana Johwani wakavona Jesu achivuya kwaari, akati: Tarirai, gwayana raMwari, rinobvisa rotakura zvivi zvenyika.
Shona SUB 2002 Bible
Ava mangwana akaona Jesu achiuya kwaari, akati, “Tarirai, Hwayana yaMwari, inobvisa zvivi zvenyika.