John 1:32 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Johane akapupura, akati: Ndakaʋona Mŋeya aciɓuruka kuɗeŋga senjiʋa, akagara pamsoro pake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Johani akapupura uchapupu uhu achiti, “Ndakaona mweya achiburuka kubva kudenga akaita senjiva akamhara pamusoro pake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Johani akapa umboo uhu hwokuti, “Ndakaona Mweya achiburuka kudenga senjiva akasvikogara paari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Johani akapupura, akati, “Ndakaona Mweya achiburuka kudenga senjiva akagara pamusoro pake.
Shona 2009?
Johwani akapupura, achiti: Ndakavona Mweya achiburuka kudenga senjiva, akagara pamusoro pake.
Shona SUB 2002 Bible
Johani akapupura, akati, “Ndakaona Mweya achiburuka kudenga senjiva akagara pamusoro pake.