John 1:33 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Neni ndakaŋga ndisiŋgamuziʋi; asi wakandituma kubapatidza nemvura, ndiye wakati kwandiri: Uyo waunoʋona Mŋeya aciɓuruka pamsoro pake, akagara pamsoro pake, ndiye unobapatidza noMŋeya Mutȿene.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndingadai ndisina kumuziva, asi uya akandituma kuti ndizobhabhatidza nemvura ndiye akandiudza achiti, ‘Murume uyo waunoona Mweya achiburuka uye achigara paari, ndiye achazovabhabhatidza noMweya Mutsvene.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ini pachezvangu ndakanga ndisingamuzivi asi uyo akandituma kuti ndiombeke nemvura akanditi, ‘Uyo waunoona Mweya achiburukira paari, achigara paari iyeyo ndiye anoombeka naMweya Mutsvene.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Neni ndakanga ndisingamuzivi; asi akandituma kubhabhatidza nemvura, ndiye akati kwandiri, ‘Uyo waunoona Mweya achiburuka pamusoro pake, akagara pamusoro pake, ndiye anobhabhatidza noMweya Mutsvene.’
Shona 2009?
Neni ndakanga ndisingamuzivi; asi wakandituma kubhabhatidza nemvura, ndiye wakati kwandiri: Uyo waunovona Mweya achiburuka pamusoro pake, nokugara pamusoro pake, ndiye unobhabhatidza noMweya Mutsvene.
Shona SUB 2002 Bible
Neni ndakanga ndisingamuzivi; asi akandituma kubhabhatidza nemvura, ndiye akati kwandiri, ‘Uyo waunoona Mweya achiburuka pamusoro pake, akagara pamusoro pake, ndiye anobhabhatidza noMweya Mutsvene.’