John 1:38 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jesu akatendeʋuka akaʋaʋona ʋaciteʋera, akati kwaʋari: Munotȿakeiko? Ʋakati kwaari: Rabi (ndokuti Mudzidzisi, kana ɀicishandurwa), munogarepiko?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akatendeuka akavaona vachitevera akavabvunza akati, “Munodeiko?” Ivo vakati, “Rabhi” (ndiko kuti Mudzidzisi), “munogarepiko?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akatendeuka akavaona vachitevera akavati, “Muri kutsvakeiko?” Ivo vakati kwaari, “Rabhi,” (zvinoreva kuti mudzidzisi) “Munogara kupiko?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jesu akatendeuka akavaona vachitevera, akati kwavari, “Munotsvakeiko?” Vakati kwaari, “Rabhi” (ndokuti, “Mudzidzisi, kana zvichishandurwa,”) munogarepiko?
Shona 2009?
Ipapo Jesu akatendevuka akavavona vachitevera, akati kwavari: Munotswakeiko? Ivo Vakati kwaari: Rabhi (ndokuti Mudzidzisi, kana zvichishandurwa), munogarepiko?
Shona SUB 2002 Bible
Jesu akatendeuka akavaona vachitevera, akati kwavari, “Munotsvakeiko?” Vakati kwaari, “Rabhi” (ndokuti, “Mudzidzisi, kana zvichishandurwa,”) munogarepiko?