John 1:39 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati kwaʋari: Ʋuyai, muʋone. Ʋakaenda, ʋakandoʋona kwaaigara, ʋakagara naye zuʋa iro; yakaŋga iri ŋguʋa ineŋge yegumi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akapindura akati, “Uyai muzokuona.” Saka vakaenda vakandoona paaigara, vakaswera naye kwezuva rimwe chete. Yakanga iri nguva inenge yegumi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iye akati kwavari, “Uyai muzoona.” Vakauya vakaona paaigara vakagara naye zuva iroro, izvozvo yakanga iri awa yechigumi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati kwavari, “Uyai, muone.” Vakaenda, vakandoona kwaaigara, vakagara naye zuva iro; yakanga iri nguva inenge yegumi.
Shona 2009?
Akati kwavari: Vuyai, muvone. Vakaenda vakandovona kwaaigara, vakagara naye zuva iroro; yakanga iri nguva inenge yegumi.
Shona SUB 2002 Bible
Akati kwavari, “Uyai, muone.” Vakaenda, vakandoona kwaaigara, vakagara naye zuva iro; yakanga iri nguva inenge yegumi.