John 1:42 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akamuisa kunaJesu. Jesu akamutarira, akati: Ndiwe Simoni, mŋanakomana waJona, ucanzi Kefasi (ɀinoshandurwa, ɗombo).
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye akauya naye kuna Jesu. Jesu akatarisa kwaari akati, “Ndiwe Simoni mwanakomana waJohani. Iwe uchanzi Kefasi” (ndiko kuti, kana zvichishandurwa, Petro).
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akauya naye kuna Jesu. Jesu akamutarisa akati, “Iwe unonzi Simoni Mwanakomana waJohani zvino uchanzi Kefasi,” (zvinoreva kuti Pita).
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akamuisa kuna Jesu. Jesu akamutarira, akati, “Ndiwe Simoni, mwanakomana waJona, uchanzi Kefasi zvinoshandurwa, dombo.”
Shona 2009?
Akamuisa kunaJesu. Jesu akati amutarira, akati: Ndiwe Simoni, mwanakomana waJona, uchanzi Kefasi (ndiko kuti dombo kana zvichishandurwa.)
Shona SUB 2002 Bible
Akamuisa kuna Jesu. Jesu akamutarira, akati, “Ndiwe Simoni, mwanakomana waJona, uchanzi Kefasi zvinoshandurwa, dombo.”