John 1:48 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Natanaeri akati kwaari: Mandiziʋirepiko? Jesu akapindura, akati kwaari: Firipo asati akuɗana, uri munyasi momuʋonde, ndakakuʋona.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Natanieri akamubvunza akati, “Mandiziva seiko?” Jesu akapindura akati, “Ndakuona pawanga uri pasi pomuonde Firipi asati akudana.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Natanieri akati, “Ko mandiziva sei?” Jesu akamupindura achiti, “Firipi asati akudaidza, zviya uri pasi pomukuyu ndatenge ndakuona.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nataneri akati kwaari, “Mandizivirepiko?” Jesu akapindura, akati kwaari, “Firipi asati akudana, uri munyasi momuonde, ndakakuona.”
Shona 2009?
Nataniyeri akati kwaari: Mandizivirepiko? Jesu akapindura, akati kwaari: Firipi asati akudana, pawanga uri munyasi momuvonde, ndakakuvona.
Shona SUB 2002 Bible
Nataneri akati kwaari, “Mandizivirepiko?” Jesu akapindura, akati kwaari, “Firipi asati akudana, uri munyasi momuonde, ndakakuona.”